Exodus 7

1Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi. “Tarira, ndakuita saMwari kuna Faro, uye mukoma wako Aroni achava muprofita wako. 2Unofanira kutaura zvinhu zvose zvandinokurayira, uye mukoma wako Aroni anofanira kuudza Faro kuti arege vaIsraeri vabude munyika yake. 3Asi ndichaomesa mwoyo waFaro uye kunyange ndikawanza zviratidzo nezvishamiso zvangu muIjipiti, 4haazombokuteereri. Ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye namabasa okutonga kukuru ndichabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu vaIsraeri. 5Uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti uye ndichabudisa vaIsraeri kubva mairi.”

6Mozisi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha. 7Mozisi akanga ana makore makumi masere uye Aroni makumi masere namatatu pavakataura kuna Faro.

Tsvimbo yaAroni inova nyoka

8Jehovha akati kuna Mozisi naAroni, 9“Faro paanoti kwamuri, ‘Itai chiratidzo,’ ipapo uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako uikande pasi pamberi paFaro,’ uye ichava nyoka.”

10Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoita sezvavakarayirwa naJehovha. Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFaro namachinda ake, uye ikava nyoka. 11Ipapo Faro akadana varume vakachenjera navaroyi, uye nʼanga dzeIjipiti dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo. 12Mumwe nomumwe akakanda tsvimbo yake pasi uye ikava nyoka. Asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. 13Asi mwoyo waFaro wakava wakaoma uye haana kuvateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Dambudziko Rokutanga: Ropa

14Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Mwoyo waFaro mukukutu; haabvumi kuti vanhu vaende. 15Enda kuna Faro mangwanani paanenge achienda kumvura. Umire pamahombekombe aNairi kuti ugosangana naye, uye ubate muruoko rwako tsvimbo iya yakashandurwa ikava nyoka. 16Ipapo uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, andituma kuti ndizoti kwauri: Rega vanhu vangu vaende, kuitira kuti vanondinamata murenje. Asi kusvikira zvino hauna kunditeerera.’ 17Zvanzi naJehovha: ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Ndicharova mvura yeNairi netsvimbo iri muruoko rwangu uye ichashanduka ikava ropa. 18Hove dziri muna Nairi dzichafa, uye rwizi ruchanhuhwa; vaIjipita havazokwanisi kunwa mvura yarwo.’ ”

19Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tora tsvimbo yako uye utambanudze ruoko rwako pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro pehova pamusoro pemigero, pamusoro pamadziva uye napamusoro pamagawa,’ uye zvichashanduka zvikava ropa. Ropa richava pose pose muIjipiti, kunyange mukati memidziyo yemiti neyamabwe.”

20Mozisi naAroni vakaita sezvavakarayirwa naJehovha. Akasimudza tsvimbo yake pamberi paFaro namachinda ake akarova mvura yeNairi, mvura yose ikashanduka ikava ropa. 21Hove dzaiva muna Nairi dzakafa, uye rwizi rwakanhuhwa zvakaipa kwazvo zvokuti vaIjipita havana kugona kunwa mvura yarwo. Ropa rakanga riri pose pose muIjipiti.

22Asi nʼanga dzavaIjipita dzakaita zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo, mwoyo waFaro ukava mukukutu; haana kuda kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. 23Asi akadzokera mumuzinda wake, uye haana kunyange kuzviisa mumwoyo make. 24Uye vaIjipita vose vakachera mujinga maNairi kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yomurwizi.

Dambudziko Rechipiri: Matatya

25Mazuva manomwe akapfuura mushure mokunge Jehovha arova Nairi.

Copyright information for SnaBDSC